Isaiah 33

Kutambudzika noKubatsirwa

1Une nhamo iwe, muparadzi,
iyewe usati wamboparadzwa!
Une nhamo iwe, mupanduki,
iyewe usati wambopandukirwa!
Paunorega kuparadza,
iwe uchaparadzwa;
paunorega kupandukira,
iwe uchapandukirwa.
2Haiwa Jehovha, tinzwirei tsitsi;
tinokupangai imi.
Ivai simba redu mangwanani oga oga,
noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.
3Pakutinhira kwenzwi renyu, ndudzi dzinotiza;
pamunosimuka, marudzi anopararira.
4Haiwa imi ndudzi, zvakapambwa zvenyu zvachekwa kunge zvachekwa nemhashu diki;
vanhu vanomhanyira kwazviri segwatakwata remhashu.

5Jehovha asimudzirwa, iye anogara kumusoro;
achazadza Zioni nokururamisira nokururama.
6Achava nheyo yechokwadi yenguva yenyu,
nedura repfuma yoruponeso, uchenjeri nezivo;
kiyi yepfuma iyi ndiko kutya Jehovha.

7Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira munzira dzomumisha;
nhume dzorugare dzinochema zvikuru.
8Migwagwa mikuru yasiyiwa,
vafambi havachisimo mumigwagwa.
Sungano yaputswa,
zvapupu zvayo zvazvidzwa,
hapachina anoremekedzwa.
9Nyika inochema uye yoparara,
Rebhanoni yanyadziswa uye yasvava;
Sharoni yafanana neArabha,
uye Bhashani neKarimeri dzakurumuka mashizha adzo.

10“Zvino ini ndichasimuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Zvino ini ndichakudzwa;
zvino ini ndichasimudzirwa pamusoro.
11Munoita mimba yehundi,
munobereka mashanga;
kufema kwenyu ndiwo moto unokuparadzai.
12Marudzi achapiswa kunge suko;
vacharirima kunge huni dzeminzwa dzakatemwa.”

13Imi vari kure, inzwai zvandakaita;
imi vari pedyo, bvumai kuti ndine simba!
14Vatadzi vari muZioni vavhundutswa;
vasina Mwari vodedera:
“Ndianiko pakati pedu
angagare nomoto unopisa nokusingaperi?”
15Iye anofamba nokururama
uye anotaura zvakanaka,
anoramba pfuma inobva pakumanikidza
uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro,
anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya,
uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa,
16uyu ndiye munhu achagara pakakwirira,
nhare dzegomo dzichava utiziro hwake.
Zvokudya zvake achazvipiwa,
uye haangashayiwi mvura.

17Meso ako achaona mambo pakunaka kwake;
uye achatarira nyika yakakura kwazvo.
18Mundangariro dzako ucharangarira zvaimbokutyisa ugoti:
“Aripiko muchinda mukuru uya?
Aripiko uya aimbotora mutero?
Aripiko muchinda aiva mutariri weshongwe?”
19Vanhu vaya vokuzvikudza hauchazovaonazve,
ivo vanhu vomutauro wakavanzika,
vorurimi rwavo, rusinganzwiki.

20Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu;
meso enyu achaona Jerusarema,
ugaro hworunyararo, tende risingazozungunuswi;
mbambo dzaro hadzingadzurwi,
kana mabote aro kudamburwa.
21Asi Jehovha achava Wamasimba Ose kwatiri.
Richafanana nenzvimbo yenzizi dzakapamhamha uye nehova.
Magwa anokwasviwa haangasvikiko,
uye zvikepe zvikuru hazvingapfuuri.
22Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu,
Jehovha ndiye anotipa murayiro,
Jehovha ndiye mambo wedu;
ndiye achatiponesa.

23Mabote ako ava dembutembu:
Haagoni kusimbisa mbambo yechikepe,
sairi harina kutambanudzwa.
Ipapo zvakapambwa zvakawanda zvichagoverwa,
uye kunyange chirema chichawanawo zvakapambwa.
24Hapana agere muZioni achati, “Ndinorwara,”
uye zvivi zvavanogaramo zvicharegererwa.
Copyright information for SnaBDSC